Moyo Chirandu Gono Remombe

Moyo Chirandu Gono Remombe Chivanhu Chedu Na Moyo Chirandu

25/12/2025

Moyo Chirandu Gono RemombeImwe hondo yatiinayo iri pakutadza kupatsanura musiyano uri pakati pe ChiVanhu ne Chitendero/Religion. Azvuva sanzu azvuva nemashizha aro. ChiVanhu chiri Muropa, mu Mhuri uye mu Nzvimbo nemu Mhepo. Religion Chitendero chiri mumusoro.

Chitendero unosarudza wega. Nhasi ukada kuita mu Kristu, unoita. Ugosarudza kuita mu Catholic, Pentecostal, Presbyterian, Protestant, Anglican, Lutheran, Baptist, Quacker, Methodist, Apostolic, SDA zvose zvawada. Kwapera svondo ukada kuita mu Rasta, unoita. Kwapera Mwedzi kana makore, ukada kuita mu Muslim, unoita unotendeuka pawadira.

Saka chichinzi Chitendero uye chine mabatirwo acho. Asi ChiVanhu unobarwa uri Mhofu, Soko, Nhire, Mbizi zvichidaro. Ugorarama uri Mhofu, Soko, Nhire kana Mbizi. Ugosvika pakufa kana kuzodzoka se Mudzimu kana Muchembere uri Mhofu, Soko, Nhire kana Mbizi. Zviri muropa. ChiVanhu hachisi chemusoro wako.

Hakuna Munhu anotaura ne Midzimu neMachembere ake paChikuva cheimwe Mhuri, Musha, Dzinza kana Rudzi. Hakuna Mudzimu unobata tsvimbo mumusha musiri mawo. Hakuna Mhondoro inopfeka Ngundu yobata Matare ayo muNyika musiri mayo. Kana ndiri Soko, handi tendeutswe mangwana ndofuma ndava Shumba.

Ndototanga kubata ChiVanhu mabatirwo anoitwa nevayera Shumba. Murongo, Mhiko, Zviga ne Midziyo ne ZviShongo zvevayera Shumba ndava kuto tevedzera. Mudzimu usiri wako haurairwe panze unouraisa.

Mudzimu weshiri uri Mudendere.
Chati Homu chareva !

12/09/2025
ndikunamata nezita rajesu kuti wese akaremerwa   asunungurwe nezita rababa neremwnakomana mweya mutvene  Amen
21/03/2024

ndikunamata nezita rajesu kuti wese akaremerwa asunungurwe nezita rababa neremwnakomana mweya mutvene Amen

Address

Belgravia

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Moyo Chirandu Gono Remombe posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share

Share on Facebook Share on Twitter Share on LinkedIn
Share on Pinterest Share on Reddit Share via Email
Share on WhatsApp Share on Instagram Share on Telegram

Category