26/07/2021
*26 Chikunguru (July) - Muvhuro*
Svondo 17 regore; (g)
(2) kana zviverengo zvoKurangarira Joakimu naAna
Vatsvene; (w)
*Chiverengo chokutanga: Kubuda 32,15-24.30-34*
_Inzwai chiverengo chinobva mubhuku raKubuda_
Mosesi akazoburuka mugomo akabata mumaoko mafendefa maviri okupupurira, akanyorwa mativi ose ari maviri. Mwari ndiye akanga
agadzira mafendefa iwayo, ndiye pachake
akanyora mitemo paari. Mazwi acho akanga
akaita zvokutemerwa pabwe.
Joshuwa akanzwa vanhu vachiita mheremhere
akataura naMosesi achiti, “Ndiri kunzwa
mheremhere kumatendhe, inenge yavanhu vari
k***a hondo.”
Mosesi ndokuti,
“Haasi mazwi avanhu vakunda.
Haasi mazwi avanhu vakundwa,
mazwi okuimba, ndoandiri kunzwa.”
Paakazosvika pedyo namatendhe Mosesi akaona chimhuru chiya navanhu vakanga vachitamba, ndokubva aviruka nehasha. Pakarepo
akakanda pasi mafendefa aakanga akatakura
ndokubva apwanyika mujinga megomo imomo.
Mosesi akatora chimhuru chavakanga
vagadzira, akachipisa nomoto akachikuya-kuya,
akaisa zviupfu zvacho mumvura, ndokuita kuti
vaIsiraeri vanwe mvura yacho. Mosesi
akabvunza Aroni achiti, “Vanhu ava vakaitei
chaizvo kwauri chakakuita kuti uvapinze
muchitadzo chakaipa chikadai?”
Aroni ndokuti, “Musandivirukire zvenyu
nehasha changamire. Imi munoziva kuti vanhu
ava vanhu vane mwoyo yakaipa. Ndivo vakato nditi, ‘Tigadzirire vamwari vangatitungamirire
nokuti zvaMosesiwo uyu nyakutiburitsa muIjipiti hatichamboziva chakamuwira.’ Ini ndokuvati, ‘Ani naani ane zvishongo zvendarama
ngaandipe.’ Naizvozvo vakandipa, ini ndikazvi-
kanda mumoto, ndopazobva chimhuru ichochi.”
Mangwana acho Mosesi akataurira vaIsiraeri
kuti, “Imi makatadzira Mwari nechitadzo
chikuru kwazvo, zvino ini ndichadzokera kuna
Tenzi, pamwe ndingagone kumuteta pachitadzo
chenyu.” Saizvozvo Mosesi akadzokera kuna
Tenzi akasvikoti, “VaIsiraeri vakapara chitadzo
chikuru kwazvo. Vakazvigadzirira vamwari
vendarama vakavanamata. Ndapota,
varegerereiwo chitadzo ch