Kurapwa kwezvirwere

Kurapwa kwezvirwere https://whatsapp.com/channel/0029VaFIhrxHwXbCcg2VWm2M

Hutano hwenyu hunotikoshera
+263 73 428 6104
(1)

*ZVIZIVE KUTI KUSHANDISA BVUDZI RE MURUNGU HUROMBWA*Kuzora mafuta e Sandawana hurombwa Kushandisa ivhu rekumakuva huromb...
12/09/2025

*ZVIZIVE KUTI KUSHANDISA BVUDZI RE MURUNGU HUROMBWA*

Kuzora mafuta e Sandawana hurombwa
Kushandisa ivhu rekumakuva hurombwa
Kushandisa mvura yagezwa zvitunha hurombwa

Ukaona munhu anokuti tsvaka bvudzi remurungu uuye naro ziva kuti munhu iyeye akaipa chaizvo
Mafuta eSandawana kumashandisa kwaunenge womaita ndokupera kwemhuri yako ....Chimhuka chonzi Sandawana chakaipa

Hakuna lucky rinobva pabvudzi remurungu
Hakuna lucky rinobva pasandawana
Hakuna mudano unobva pamvura yageza zvitunha
Asi kuti ukaona zvunhu izvozvo zvokuitisa lucky ziva kuti Hama dzakufa gore ne gore

Ndakati lucky hombe ririmuropa mako ndosaka muchiiswa nyora kuti dzisvibise lucky riri muropa mako ....Unenge waiswa poison yenyoka nemushonga wakaipa kuti uite munyama ..
________________________________

_Makumbo ako unozora mafuta ekutsvukisa asi haatsvuki ??? I sign ye nyora mumakumbo_
Saka usarombe nokuti hupenyu hwakuomera sukwa ropa rako uone

Mari yeziya inonakidza kudya uye husiku unorara hope dzehumambo

Mari yehtizivea inorwadza kuidya nokuti zvacho zvaunenge uchiita zuva ne zuva unozvidemba ..ukada kuzvisiya unofa

Saka gara uri kuritivi rwakachena ...Usashandisa mishonga yausinga nzvisise nekuda kwekunzi mushonga welucky ...Hakuna mushonga welucky pasi pezuva asi kuti Lucky ririmuropa mako

Mudano pamusika wako uri muropa kwete nemvura yezvitunha

Mudano pachurch pako urimuropa mako kwete kuchekeresa vanhu

Maziso emweya arimuropa mako kwete musoro yegora yamuri kushandisa

Taurai nevadzimu venyu vanonzwa ...Variko vanofamba nevakachena
Taurai naMusikavanhu anodaira Mwari ariko ngirozi dziriko asi Zvofamba nevakachena

Kana uchiita zvechivanhu unotenderwa kunamata here ????
__________________________________

Mudzimu wakachena unozviziva kuti kuna Mwari ....Hongu namatai munamatise .hupenyu hwenyu husunungurwe .....Paunonzwa kuda kunamata namata .....paunonzwa kuda kukumbirira kana kupira ....pira zvako

Ndini ndakambo taura ndakati zvofambidzana ....

Ngwarira kusungirwa dzimu rako nezviyo ...Usainda nazvo zviyo kumasowe ..hanzi tuzvisunge pamucheka tozvisiya mugomo .Gara warega kuinda nazvo nokuti ...Wava padhuze nekutsipikwa iwe

Njuzu inogwinha semagetsi here kana kukonzera mheni????

Njuzu dzinogara pamutumbi umwe chete dzakawanda here ??

Njuzurume ne njuzu hadzi dzinogara pamunhu one here dzese ????

Mibvunzo iyo ndichaipundura chimbowedzerai kuwanda kuburikidza nekukokana .Ndakanzi ndikudzidzisei makawanda

Kana waverenga ita tizive❤️

*Nhuka* 🫴🏻❣️

12/09/2025

*1* Pamusika wako usatsvairirwa nemunhu tsvaira wega uye tsvaira rungwanani kwete zuva rovira....kune vanofarira kutsvairira vamwe pamusika yavo kuita serudo iko kurikuto tsvaira vatengi ...Zvaanenge achitaura mumoyo make achiiudza mutsvairo zvihombe chenjera

*2* Ukaona munhu anotsvaira pamba pake vanhu vachangobva ...Zvoreva kuti vanhu ivavo anenge asingade vadzoke zve pamba pake ..anenge achitsvaira tsoka dzavo kuti vasadzoka zvakare ....Ukaona mukadzi anotsvaira vanhu vachangobuda Ngaavhenekwe aonekwe kuti haana shavi rehusiku here

Mutsvairo unodzinga zvakaipa nezvakanaka zvichiindirana nekuti munhu arikuutsvairisa arikutaurei mumoyo make ,ndati ndikuyambire ini sekuru vako Nhuka

Ukaona mukadzi anotsvaira ruvanze manheru kuma 8 9 10 zvichienda mberi ziva kuti muroyi Umwe kana zvamubata unomunzwa achitsvaira na 12 husiku ziva kuti anenge achisunda mhepo nemutsvairo ....
Kune anotsvaira masikati rakacheka nyika zvinovhundutsa
..Ruvanze runotsvairwa rungwanani kuma 5 zvichi dzira kusvika kuma 7 unotsvaira uchitaurira kuti zvese zvakaitwa husiku takuzvi tsvaira zvidzokere kuvaridzi ...Wotaura kuti varoyi vakauya husiku takukutsvairai tsoka dzenyu musadzoka pano zvakare ...

Ukaona mukadzi anotsvaira ruvanze zuva rakwira kuma 8, 9 kana 10 kusen ngaavhenekwe kuti haana shavi rehusiku here hakuna muroora akadaro .

Mutsvairo une simba rekudzosera hondo kuburikidza nekutsvaira uchitaurira inzwa chizukuru chasekuru Nhuka

Mutsvairo unoshandiswa nevaroyi kusunda mhepo
Saka mhepo dzasundwa nemutsvairo dzino dzoserwa nemutsvairo

Mutsvairo kana wava mudoko doko vanhu vanorasa ...Dai maita zvekupisa muchitaurira kuti mhiko dzakaitwa nemutsvairo mumhuri medu .takudzidambura mobva mapisa zvenyu nokuti mutsvairo mutsvairo mutsvairo mushonga wakaipa mushonga wakanaka .

Kazhinji kurota uchitsvaira zvoreva kuti ukubvisa zvakaipa zvakaiswa muupenyu hwako ...kazhinji mowanzo kurota hama dzenyu dzichiku tsvairirai mudzimba Zvodudza kuti mudzimu wako unenge uchitsvaira svina mukati mehupenyu hwako ...Kutsvairirwa nzira kuti ichene ufamba

*Ndini wenyu Nhuka*
Mova nenguva yakanaka👏🏻👏🏻🫴🏻❣️

07/09/2025

Tora bond paper nyora zita rako katatu nyora zvishuwo zvemoyo wako zvaunoshuwira kuti zviitike before gore rino risati rapera isa salt yemagodo pakati pe paper riya folder paper rako isa paper riya woriisa mukagubhu kanemvura enda pako wega namatira chigubhu chiya chema kuna Mwari wako zvinesimba moyo wako uripamwe chete namati zvishuwo zvako zvawanyora zvirikukati muya, kutanga mangwana Monday geza nemvura irimuchigubhu kwemazuva matatu, wapedza worasa hako chigubhu chiya uone zvinhu zvako zvotanga kuvhurika

NHOKO DZETSURO YEMUSANGO nhoko idzo dzine huera chose uye kuvhura mhanza nekushava ,,huera huri apa ndehwe kudai ..Tsuro...
07/09/2025

NHOKO DZETSURO YEMUSANGO

nhoko idzo dzine huera chose uye kuvhura mhanza nekushava ,,huera huri apa ndehwe kudai ..

Tsuro inofura mashamba nzou ndiyo nguwa yenyika dzimu sakà tsuro inotoratidzwa uswa wekudya uye zvimbo yekuwana huswa hwacho ,,kune vaya vakambovhima ,tsuro inoto famba chinhambwe chinoita makiromita gumi zvichienda ichitsvaga huswa wekudya ,apa inemge uchitumwa nenyika dzimu kuti itekaire kwese uko ipiwe zodzo nehuera hwe nyika dzimu nhai ,sakà inodya huswa nemiti inorapa nekupa zodzo sekuti inodya mufandichimuka ,mbanda ,mutsine ,ruredzo ,tsangadzi ,mashizha emutsambatsi ,mashizha emusekesa ,mashizha emuhacha ,tsonzowa ,tsubvu ,utsiga ,tsarimba dzemu nhondo ,zvichingodaro handingazvipedze zvinosvika zana apa ndangoti muone nekunzwisisa huera hwe nhoko dzetsuro yemusango ,

Tora. Tora. Nhoko dzetsuro idzo unoisa mumvura wogeza muviri mazuva matatu uchapiwa hope dzakanaka uye gwara ,uye kana wanga wakavimbiswa sekuti basa chairo unodeedzwa ,kana wese anga aine chikwereti anodzosa.

✅✅👏🏻👏🏻💯

*Madzikirira*Ukanzwa wotsikirirwa zvekutadza kumuka zvodudza kuti wapindirwa nemuroyi mumba Dzimwe nguva zvodudza kuti m...
07/09/2025

*Madzikirira*

Ukanzwa wotsikirirwa zvekutadza kumuka zvodudza kuti wapindirwa nemuroyi mumba

Dzimwe nguva zvodudza kuti muroyi aripanze mumvuri wake ndiwo unenge wakutsikirira kuitira azokupindira warara

Ukanzwa zvodaro pisa bute neupfu kana kumuka wosvuta bute ..kana kupisa mufa .ukanzwa usisina hope usafoseredza kurara

Kuvhunduka wakarara kana kuti kuvhumuka kutaura wakarara zvoreva kurwiswa pane pasvika zvikara zvehusiku Varoyi .
.zvichidudza kuti mudzimu unenge uchida kutaura asi wobva wavhiringwa ..ndopaunenge wotaura zvisinga nzwisisike ...neimwe nzira vazhinji vanotaura voga vane zvipo ...zvinenge zvichida kugadzirwa kubviswa mbereka kuti zviwane kutuka varoyi

Kana zvagadzirwa ndopaya pekuti unomuka uchituka kana kudzinganisa Varoyi

Kune mudzimu unofamba nemvura ...Zviya zvokuti uchida kubuda kobva kwanaya mvura zvodudza kurambidzwa ..rwendo irworwo pabatisisei

Ukakwira Gomo nemunhu akaipa kana vanhu vakaipa ./ ......worikwira uripa 50 percent yesimba unoburuka Gomo wava ne 20 percent zvodudza kuti unenge warikwira nevaroyi ....ndozvirikuitika .kunevazhinji ...ndichazokupai dzidziso iyi YeGomo kana ndafarisa ....Kudhonzerwa simba mugomo
Kuvharwa mudzimu wanga wotaura mugomo

Kurota uchidzinganiswa nemunhu ihondo
Kurota uchidzinganiswa nemombe tsvuku ingozi
Kurota uchidzinganiswa nenyoka ihondo
Kurota uchiteverwa nembwa dzichida kukuruma imhepo yemapurisa
Kurota uchiteverwa nemupurisa kana mapurisa Mweya wejere

Ukasaisa like waverenga zvoita ndipedze nguva ndisinga tumire zvidzidzo
Sei uchitadza kuyambuya rwizi kuhope ???

WENYU NHUKA💯❤️‍🩹🥰

07/09/2025

*Breakthrough neonion*

Tenga two king onions any color haina basa

Cut them both into half wobudisa 4 mapieces

Izvi unozviita around 6 manheru

Isa bucket rekugezera quarter yemvura imomo

Isa 4 mahalf e onions dziya ita strong prayer uchinamatira dambudziko rako

Isa bucket pasi pemubedha or side re bed raunorara

Around 2100hrs, make a prayer/kutaura nevadzimu manheru. Worara 2200hrs dzisina kuchaya

Muka na 0300hrs makuseni wogeza mvura ine onion iya muviri wose kana wapedza usapukute dzokera unorara

Wozotiudza testimony

Usambotya onion inorwa hondo dzose yega

Even vaya vanoti vane minyama kumabasa vakasairirwa mhepo gezai neking onion

Bring the testimony unogeza once per month

Kamwe chete pamwedzi

Then ndichazokudzai galic iri yoga iri very powerful also

Onion unoicheka nepakati uchikirosa kwete uchidzika wakatarisa midzi

*mukandiyeva ndinoyevawo😢 ,ngatiisei maalike ndirambe ndichiisa dzidziso🙏🏻*

07/09/2025

*MAIZVIZIVA HERE*

Musapeta or kurongedza hembe dzakapindurudzwa"in side out" izvozvo zvinoita kuti zvinhu zvenyu zvamanga makaronga zvingopidiguka like kuronga nemunhu rwendo mangwana ofuma akuchinja oti hatichayenda

Pamunopfeka zvipfeko zvenyu zvemkati tarisisa kuti wapfeka mushe here musapindurudza nekuti zvine zvazvinoreva uye kukonzeresa eg ukadanwa ku interview vanogona kukufarira usati wasvika asi uchingosvika votochinja pfungwa saka pliz pfekai zvakanaka

Musararisa mugoti usina kusukwa ,vamwe unotowona wakawoma kuti gwaa zvekutozoparwa nebanga izvozvo zvinoita kuti hupenyu huwome munogara muchiita zvinhu zvekutamburira nguva dzose

Anamai kana muchisuka or kurongedza midziyo yemumba "ma plates " rongedzai zvakadzikama not kungokanda mumba kuita noise muchigwenderetsa zvinhu. ..izvozo zvinokonzeresa mabishi mumba munogara muchinetsana na baba, vana nababa or imi kunetsana nehama dzemurume

Farirai kuzunza magumbeze enyu or mibhedha yenyu mowarira pakare not kuti munhu anoita 4 months achingomuka achibuda odzoka ongoti bhidhiri senhanga kusenizvee omuka setsuro ..remember zuva nezuva rinezvaro muka uzunze zvanezuro ...that's why vamwe muchiita ma remedies bt haashande coz ukudzokera kunorara panhamo yako Iya

*Kutekaidza Matare na Nhuka👏🏻👏🏻*

04/08/2025

Timborasisa varoyi

Torai upfu hwakakuiwa hwechimera neupfu huchina sanganisai moisa cooking oil mosanganisa nemugoti moisa mubucket nemukaka fresh momuka muchigeza zuva risati rabuda zviitei kwemazuva matatu

DRINK OKRA JUICE. For high blood pressure. For libido.For fertility .For regulating blood sugar .For Lubrication in wome...
04/08/2025

DRINK OKRA JUICE.

For high blood pressure.
For libido.
For fertility .
For regulating blood sugar .
For Lubrication in women.
Rinse okra , cut into pieces soak it overnight
Drink in the morning

Zvinhu zvausingafari kuratidza murungu ,usamuratodza kuti uri ku saver Mari, or urikuvaka musha, or watenga Mota cash  i...
04/08/2025

Zvinhu zvausingafari kuratidza murungu ,usamuratodza kuti uri ku saver Mari, or urikuvaka musha, or watenga Mota cash ingoti chikwereti . Paano chema newevo chema, bvunza pay kuti tohora rinhi boss things are tough . Asi usangotora tora zvikwereti pese pese anozokuona semunhu asiri responsible. Last one usafundumwara kana chisina kukuitira mushe , speak out kuti azive utori munhu saiye . Ukatadza bvuma mhosva woti i won't happen again I will be alert next time zvinoratidza kuti wakaita mistake.usataura mumwe achitaura murege apedze wozodavira

04/08/2025

Murume kana ahura uchiziva zita remusikana surname nemutupo wacho zvese. Tora bottle wotsvaga tsvina yembwa woisa imomo wonyora zita rake nere murume wako wonyora zvauri kuda zvese pabepa iroro woisa zvako mubottle wodira mvura wovhara. Unosiya zvirimo 2 days rechi 3 wondoputsira pamharadzano waputsa usacheuka woenda zvako kumba. Wochimirira zviburane ikoko vanorambana chete zvinganonoka asi zvinoita. Nyora kuti irwai rovanai ikoko kusvika masiyana.

11/07/2025

You are working but your salary is small your boss doesn't want to increase it's been years working and paid some amount

Take a white plain paper blue pen write your boss's name and surname 3x put in a transparent bottle and add water , add salt ,
put that paper you write name inside and start to shake the bottle talk what you want then close it hide it nobody sees it, wait for results

If it's a company write the name of the company and the name of the person pays you

Or you work but they don't want to pay you bizz telling you story do the same

This remedy works also to bring your ex

Have faith,patience and believe
Bring testimony here
Thank you

Address

Harare

Opening Hours

Monday 09:00 - 17:00
Tuesday 09:00 - 17:00
Wednesday 09:00 - 17:00
Thursday 09:00 - 17:00
Friday 09:00 - 17:00
Saturday 09:00 - 17:00

Telephone

+263734286104

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Kurapwa kwezvirwere posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Practice

Send a message to Kurapwa kwezvirwere:

Share

Share on Facebook Share on Twitter Share on LinkedIn
Share on Pinterest Share on Reddit Share via Email
Share on WhatsApp Share on Instagram Share on Telegram