15/12/2025
*HOPE DZEKUROTA MHANDO DZEMOMBE NEKUDUDZIRWA KWADZO*
Nhasi ndinoda kumbotaura pamusoro pekurota mombe. Vanhu vazhinji varikundibvunza kuti ndarota mombe zvoreva here mudzimu? Hongu ukarota mombe dzimwe nguva unenge warota mudzimu zvichienderana necolour yemombe dzawarota uye marotero avaita nokuti zvimwe ucharota mombe ichizvara umwe acharota ichifa umwe acharota ichimutandanisa hope idzodzo dzatosiyana nehope dzemidzimu;
1 ukarota mombe yeblack kana black and white unenge warota mudzimu zvichienderana kuti dzinenge dzichiitei mombe dzacho kwete dzichikutunga, kana uri mudzimu uri kuda nezvako you keep on dreaming about that asika tine mombe dzemukaka dzeblack and white. Kurota uchikama mukaka pamombe yeblack and white ndiwoyo mudzimu, its a fortune, une mhanza yakanaka asika ukazoona mukaka wacho uri utema kana kuti uine ropa zvadudza kusviba kweukama hwako nemidzimu, une zvauri kuita zviri kukanganisa hushamwari/hwako hwenyu nekuti kudai midzimu wako waisakuda mombe iyoyo waisambobvira wakwanisa kuikama yakamira, kureva kuti kudivi kwako/kwenyu semhuri mune chinhu chamusiri kuzadzisa kuti munge/ unge uchiwana manake kubva kumidzimu yekwako. ungadaro wakambouraya munhu/kubvisa mimba/kurara nomunhu akasviba/kutora zvevamwe, chero chipi nachipi chawakaita unochiziva ndicho chiri kuita urote uchikama mukaka une ropa, kukurumidza kugadzirisa kunoita kuti ukurumidze wachinjawo upenyu hwako, maoko edu aya anopota achigezwa (cleansing) vehama kuitira tiwane chohuviri kubva kumidzimu, musazonyeperane muchiti midzimu haiko, iriko mudikani, vakafa vanoona chaizvo, asi kuti midzimu inoshanda maringe nokuchena kwemabasa enyu uye kuti iwe uri kuiitirei.
zvimwe zvinotaridza kuti une ukama hwakanaka nemidzimu👇👇👇
💥Kurota zvinoitika
💥Iko Kungorota mombe idzodzi dzemavara
💥Kubata zvinobatika
💥Kurapa vanhu vachipora
💥Kurota uchikama mukaka muchena
💥Kufembera/Kunyumwa/ kuziva zviri mberi
izvi ndizvo zvinokutaridza kuti
midzimu iri pauri☝️💜🕊💙🕊💛☝️
🌹 *mazvita react tiinde pamberi dzakawanda mombe dzaunogona kurota*
https://whatsapp.com/channel/0029VbBxsp27j6gD4BESJY2c
Channel • 64K followers • Hope nedudziro🇿🇼
KUKANGANWA HOPE
1. Vaye vanokanganwa hope dzavarota, boil zai rimwe chete rehuku. Idya risina salt, makanda acho womapisa wadaro womakuya kuita dota/hupfu. wopota uchifemba wakurara, hauzokanganwe hope zvekare .
2. Muka mangwanani woenda panesora wobata sora nemaoko uchitora dova pasora. Chipukuta kumeso nedova asi uchitangira kuchirebvu uchikwidza kuuya pahuma.
Komborerwai ,Kuwanda kwema reaction/malikes ndiko kuwanda kwedudziro pazuva rega rega 👏👏🥰❤️🇿🇼