16/05/2025
*KUVAVA KWENZEVE HAISI TSVINA IMHEPO*. Mhepo iyi inoita kuti munhu anzwe nzeve kuvava, kupota uchinzwa sekuti imwe nzeve yavhara,kunzwa karuzha munzeve , kunzwa maungira,, kurira kunge mune chirikufambamo kunge mune kasvosve,,, kunge murikurira wachi kuti ka ka ka ka,,,,, kunge mune chinhu chinofema,,,,. Mhepo iyi inovhara zvakawanda, inovhiringa pfungwa dzako dungamunhu uye marongero ako, inovhara zvakare hope worota uchikanganwa nekuda kweruzha, Vazhinji vanovaviwa zheve vanedare rekupenga, kuita pfari kana kungoshotao njere dzavo, vanehanganwa dzakanyanya,,,,, . Mhepo iyi inonzwa zvose zvawaswera uchironga nevamwe kt zvisabudirira. Inovhara chipo chechiporofita kana matare echivanhu, inobata shaya kuti dzimu risataura, inonzwa matare ako yomashaisa simba kuti upesane nemanake iwe urimuchiedza manake onanga murima,,,,,,. Mhepo iyi inogara mumusoro kuti uite dzungairwa, inopa zvakare kt upote uchitaura wega , . Ukagezwa munyama pamutumbi gezwazve mudumbu hudyiswa uye munzeve dzako ,,,,, vazhinji vakabviswa mhepo iyi dzimu rinoturuka rinoita simba ndipo pavanenge vonzwao manzwi enjuzu kana vadzimu ,,, mhepo iyi inovhiringa hurukuro yehomwe nedzimu inokupa kuti ukoshiwe zvakanaka ,,,,,. Kuvava kunoita nyora ndokunoita nzeve . Imhepo yakaipa unokwenya zvikashaya basa inonyarara kana yodao , . Mhepo yemunzeve ineungwaru kudarika dzimu ,,,, pose panogara mhepo ndopanopinda zvakanaka asi hazvigari panzvimbo imwe zviri zvose kureva kt pauri muzukuru pachagara chimwe chazvo. Hapanoi pakuibvisa handikuudzii nekuti ndakadzidza kuti mazambuko anosiyana umwe rake rinoda bute umwe upfu umwe mucheka mutsvuku umwe huku tema umwe zviyo zvichingodaro saka zvinongosiyana siyana kana uchisangana nedambudziko