Powertc

Powertc The story of our REDEMPTION. will be having sermons and spiritual advices. to God be the Glory

06/09/2024

Have faith and the sick will be healed

14/06/2022

ANNOUNCEMENT to all POWER fans

Thanks for your patience... New book will come this week... Maybe anouya Ari two....

Announcing that today is the birthday raamai vemunyori... So ndoti Happy birthday Kuna amai vangu Chihera... My biggest fan... She has faith in my talent

Vanoda ku celebrator nema gifts kuna mom, inbox munyori 0712060743

Wenyu POWER TC

The Moment novels that is where maturity begins

something

https://www.facebook.com/Powertc-108615514827370/

The story of our REDEMPTION. will be having sermons and spiritual advices. to God be the Glory

09/06/2022
09/06/2022

https://www.facebook.com/Powertc-108615514827370/

Vahosi Chaivo Ndevapi??? 🤰🏻

Story by

POWER

0712060743

Chapter 15

*Final free chapter...*

*We stretched our buying period and free chapters as per your request... So payment details are after this chapter... Team SA I think pa price yatichaisa nhasi will be reasonable... Sorry andiko so I will never know but sekuchema kwenyu I hope we will be on the same page... Thanks nekupa ma views*

*After this tosangana ku sub group*

Hillary

Tete vakayeredza misodzi zvakandisiririsa. Kana neniwo ndakati yangarara nemisodzi mukati memaziso angu. Hapana chinorwadza as witnessing hama nehama dzisingazivani. Zvakafanana nezvatoita isu vamwe, kushanyirana atichada.... Potse potse vana vedu kupfimbana. Rwakaendepiko rudo ruya rwakare rwekusashainirana hama nehama, rwekuronga kusangana kwemhuri murugare kwete kungoziva matare emusha paita rufu. Zvakwangove kurwirana nhaka kwasara pasina kana kuratidzana rudo? Ini sa Hillary ndapfuura nepo... Ingori bate rege asi maybe kamwe kakudadira hama kako unokaziva... Kurwara zvakanyanya zvokuti status ye WhatsApp inoziva asi baba mudiki next door vari murima...

Ephaz akaita zvekusundira tete kure. Ndakamhanya kunovagama. Ndakanzwa munhuwi wedoro ndokubva ndaziva kuti munhu aive ambonwira nwira. Ndaisongoita kunzwa kuti baba ava vaidhakwa asi musi uyu ndakazvionera ndoga. Akatanga kurudunuka hake kutaura achifumura zvaive mudundundu make. Tose tinoziva kuti kana mumwe akadhakwa anoda ku behavior as if doro ndiro riri kutaura asi achidurura zviri pakadzama pemoyo wake. Ko musakanganwa kaa kuti doro arifungi asi mushandisi waro. Zvinonzi chipembenene kupinda munzeve yemwana chinenge chawaridza bonde kare kare.

"Eee iwe!" Akadaro achinongedzera tete. "Kana waiti andizivi kuti uriko manje wakanyura. Mbuya na Sekuru vakandiudza kuti uriko iwe asi vakandisema. Ndinika ndakauraya baba naamai vako, kubva nhasi unondiita kanyama kanyama! Saka nhasi wauya uchiti ukunanga kumba kwaani? Kutemwa nomusoro, kukuwara, kufara kana kufarisa apana akandiratidza gwara asi hanzvadzi yangu yaive ipenyu? Handina basa rinoshamisira nhasi, Andina chandiinacho kunze kwebarika rematiro anongoswera achimarana uye kutuzurana samachongwe. Zvausingazivi ndechekuti pfungwa dzangu dzinoziva kuti auko asi moyo unoda uveko... Ndombochema ndoga kuti deno hanzvadzi iripadhuze nemazano. Ndizvo zvinondipa kutsvaka vanhu vanopota vachindiudza mararamiro ako uye kundipa mifananidzo yako... Please ibva pano!"

Ndakaona tete, vave kuibongomora... Ndakamhanya kuti ndivanyaradze then maziso angu ndopaakasangana nea Ephaz... Mukomana aive akaita kuti piriviri mumaziso and shena uye tsvina pahembe dzake hawaizomboda. Akabva atangana neni achiti

"Iwe autombomira kuunza ma problems mu life mangu... Kashamwari kako kari kutishungurudza tose nhasi, ndiwe vaingokaswededza pedyo neni. Vaikatuma kwandiri kuti zvidii... Zvinonzi rudo nderwe vaviri, zvino iwe zvawaiisa vechitatu vaida zvigodiiko? Vogoti vaikwidibira zvandaida apa gapu rinocherwa nemunhu wese vaindisiya pariri! Vakauraya rudo rwedu Hillary nokuda kwokupusa kwako! Asi zvidii ini ndokuda! Vahosi Chaivo vemoyo vangu. Vanhu pavanofamba vachivhunza kuti *Vahosi Chaivo Ndevapi???* Ini ndinoti kumoyo ndi Hillary my Maphosa kumba ndi Gracious since ariye akatanga kusvika pamba! Asi unondigumbura mhani aaa! Vaitamba nekamuroyi aka kari kapfambi zvakare vaisaona? Wozoti utsvina! Kubva pandakakudzinga pamba andisati ndadya ini.... Ndingabate mbwizhu dzandobikirwa pano plus utsvina... Nhunzi dzozara pano iwe usipo... Ko unoterera kukudzinga pano nekuinda kuti unondida here iwe?"

Gracious akabva ati "Ephy wakufarisa manje! Chipinda mumba urare!" Ephaz akatarisa kwaive kwabva izwi ra Gracious wacho ndokuti "Ndozvandanga ndichireva izvi, hakana respect kana rukudzo, basa ndere kungozvidinga chete uku kasingagezi. Manje kana turi tumakwati twako twemupfuhwira tunosakara chete! Ndakakuwana kun'anga kwavaienda iwe! Haikona kundivhurira ziso ndinozviziva zvose. Ukambozama maporofita. Ndochidofo chako munhu akapasa form 4. Kusanganisa mvura ne oil, Mwari na Satan sezvinoita mamwe ma kristu anhasi. Kunamata vanoda uye zvitema vanoda zvakare. Chandakakutorera iwe inhau yemimba uye wakandityisidzira kuti ungandimhan'arira chibharo nema witness awakatenga! Mishonga yako ine zvayakandidzimaidza nazvo! Zvisizvo handaizombotora rengenya risingagezi iri... Unotoda kuita rudo rwekumanikidzira sokunge vakomana vapera munyika!"

Vanoseka vakaseka, vanosiririswa vachidaro. Ini pfungwa dzainetseka kuti ndodii kuti munhu anyarare... "Hey Mbuya Matema muripo? Makaita henyu nokumbochengeta mhuri yangu... Nezuro pane z**i randakasangana naro, ndikafananidza nemi. Kana musirimi ndi Gracious nokuti ndimi chete varoyi vandinoziva." Mbuya Matema vakabva vati "iwe waguta kunyarwa manje! Vati ndombozvida here zvemisarinya iyoyo? Hee! Ukambobofomara maziso ndipo pauchabvisa usvinu ihwohwo!"

Ndakanodemba demba pamakumbo ambuya Muchapedza... "Musadaro kani ambuya honai akadhakwa..." Zvakabva zvanzi "kudhakwa akurambidzwi asi munhu dhakwira kwavanwira, ndari idzi muchadziramba ndakugadzirisai! Ndakuenda kumba kwangu ini!" Mai Muchapedza vakabva vati "regai tibatane pamwechete timhanye tose mbuya!" Zvakabva zvanzi na Ephraim "Mirai kani tibike Mai Muchapedza! Sorry kutokanganwa kuti imi amudyi chimwe chinhu kunze kwamakuhwa. Saka mirai muone zvose zviri kuitika nokuti panyaya panoda dot-com rakakwana. Ndimi makaita dzvene, muchiudza Gracious about my sister and my past imi... Maifanirwa kunzi mai Muchapera. Ko tatopera nemakuhwa enyu kaa... Mati mukuda kuvaudza zvandanga ndichiita? Chingovaudzai kaa ndogotyei kununa ini ndakasasikwa. Ndanga ndichiona amai vemwana vangu... Chindiudza chakaipa ipapa kuti chii.. Andingasiyi first born yangu ichitambura ini baba vacho ndiripo..."

Hana yangu yakarowa mukuziva kuti Ephraim aive nemwana akura. Ameno zvinombodii chaizvo mukurarama. Murume kana mukadzi akaita mwana out of the context haadi zvizivikanwi. Vamwe vakamanikidza vana vavo kuvadana kuti mhai asi kuti sisi. Varume ndivo vanongotaura pachavo kuti ndine mhuri kusango.

Chazvakanakira ndechekuti rina manyanga ari putirwe mumushunje. Haikona kupota muchiita rudo runopa mivhunzo mizhinji. Budiranai pachena somwedzi. Zvakaipei kuti shaa ini ndine mwana, shaa ndakamborarwa andisisiri mhandara nokuti kuhwanza kwenyu kunouraya zvakawanda.

Moyo vangu vakabaikana ndichingozvituka naiyo yedu yekusatarisa nekuziva all about my lover before hand. Ndakabva ndati "chitaura kaa nezve mwana vacho uye mukadzi vacho tigare takaziva..." Ndakadaro hangu nokuti pakanga pasina Option... Ndakabva ndanzwa inzwi rechikadzi richiti "muchandiziva henyu mainini. Ndatouya nemwana wangu so. Hanzvadzi dzangu dzaramba kuchengeta mutorwa. Mwana vangu mukuru so ndini Vahosi ka pano..."

Chiso chemukadzi uyu ndaingoita chekufananidza asi andina kuchiziva. Gracious akabva amhanya kunotanga k***a naye! Vari pakati pekuvhurudzana ma skirt, Sabhuku vakabva vasvika. "Chiiko chamunoita kundinyadzisa munharaunda matigere. Iwe Ephraim nemhuri yako yose tosangana kudare mangwana... Ndinoda kugadzirisa zvinyaya izvi zvipere... Mungarwira hu hosi sehune pay... I will deal with you!"

** *Auya nemwana ndiani?*
** *Life ya Hillary ichadii?*
** *Kudare kwacho kuchabudei?*

Pakati peimwe mivhunzo... *Vahosi Chaivo Ndevapi???*

The book will be onsale from 16 rinenge rave ku sub group kwatichashandisa infinity apk

*Make sure phone yako ine space and allow to install applications from WhatsApp*

320 RTGS ECOCASH or ONE MONEY on 0779351968 or 0712060743 to Tymon Chinguri

For confirmation send screenshot to 0712060743

Team SA

You can choose to buy airtime ye Cell C, MTN or ECONET wort R30... Send screenshot ye airtime for confirmation to 0712069743

Or buy Mukuru netone or buddie airtime... You can inbox 0712060743 for number yekuisa airtime nemukuru

Vane mafoni anonetsa tu apk I will only allow a limited number to access chapters with special features for 500 RTGS ECOCASH only... Inbox for more information... Ma chapters asiri mu apk anodhura non negotiable

*Zvichemo zvose taurai nemunyori on 0712060743*

NB... Mari yedu it's for the whole book kwete pa chapter... Whole book!!!! For only 320 RTGS or R30

Let's meet ku sub group vamwe vaveko...

I love you

The story of our REDEMPTION. will be having sermons and spiritual advices. to God be the Glory

09/06/2022

https://www.facebook.com/Powertc-108615514827370/

Vahosi Chaivo Ndevapi??? 🤰🏻

Story by

POWER

0712060743

Chapter 14

I brushed the thought off ndichiti, "haa taurai zvimwe, nhumbu kuita sei? Am fine ndakadaro nhasi ameno zvangoitikawo ko misi aifanani kaa!" Tete vakaseka vakati "eeyaa maiguru ini ndiri mukuru kune murume wenyu, kureva kuti imi kwandiri mutori muduku. So zvimwe munanzwa mobata kamwechete." Ndakatoseka hangu ndokusiyana nenyaya yavo. Ko vaigotaura zvenhumbu kuti ndivo chiremba here. "Aaa ambuya zvamatadza kudya nyama iyi ndochidii zvino. Taura zvamungada." Murume vatete akataura kudaro ndichibva ndavati "I think sausage is the best kana ichiwanika padhuze..." Tete vakaseka ndokuti "mazuvano chivanhu chedu chareruka zvave nani. Ambuya nemukuwasha vaisasekedzana kana kuyemedzana zvamuri kuita izvi..."

Tose takabva taseka ndikabva ndati "muri right tete... Mamwe ma relationship aiomeswa zvakanyanya but the good part is zvaiitirwa kuti vanhu vange vachipanana rukudzo rwakatinakira tose nazvino. Chaingonetsa ndechekuti we used to treat each other like strangers. Mukuwasha kana muroora it's just family. Ambuya nemukuwasha ndiamai nemwana. Vamwene nemuroora ndiamai nemwana zvakare." Mukuwasha akazoti "you are wise ambuya, so munhu wese ngatiende kuma shops kunotenga zvamuri kuda." Tete vakabva vati "evo ini andina kwandinoenda. Ndakaneta hangu, endai muri vairi...." Iniwo ndakabva ndati "saka mochingoenda imi mondiigira zvandataura. Ndosara zvangu pano na tete vangu..." Tete vakabva vati "no maiguru, vakaenda voga vanganonoka kudzoka so endai mese." The move aina kumbondijekera. Murume vemunhu aadi kunyanya kutamba naye p**o. Plus kunyangwe tikafara tose mukuwasha, mukuwasha. Ndakambozama kuramba but tete vakandigombedzera vachinditi zvaive zvisina kunaka kuti ndorambira munhu arikuda kundiitira chakanaka.

Ndakanogara kumashure kwemota ndichisiya mother seat. Ko ndochaive chigaro chatete kaa. Vakamboda kuti hee garai kumberi... But ndakarambisisa.

Mota yati fambe mbichana, ndakaona munhu akugadzirisa view mirror kuda kutsvaka kunditarisa. Ndaka shifter pandaive ndakagara. Munhu akaridza huro ndokuzoti

"Haa ndikakutarisai ambuya ndotoona kuti muviri vamuinawo hausi wenyu uyu. Tezvara vari kunyatsogona basa semunhu wemurume here?" Ndakabva ndati "madii kutsvaka zvimwe zvokutaura, apa munenge makucharika muganhu." Vakabva vati "sorry ambuya but tingataura dzei?" Ndakabva ndati "kana musina nyaya munongonyarara
kaa.." Vakabva vati "haa musadaro ambuya vangu. Ko amudi here kuva close nemukuwasha wenyu?" Ndakabva ndati "kutobvuma kufamba nemi kudai nditori close nemi moda zvimwe zvii?"

Munhu akazotaura nyaya yake hanzi "ambuya ungava munyama kana ndikasawana kukuratidzai mazirudo. Imi makanaka chaizvo. Plus muchihwande tinonakirwa chaizvo. Azviurayi... Munongondipa iniwo ndokuitirai zvose zvamunoda."

Ndakabva ndati "mukuwasha, ndingaratidza kupusa or kuva desperate asi nditoribho ndakadaro. Kunyangwe hurombo huchinditevera asi andingaita zvisina chirevo izvozvo. Ndasiyana nevasikana kana vanhukadzi vasingadi kunzwa panhuwa petrol. Am not that foolish and don't take me to be one. It's better to lose everything with my pride intact. Ngatidzokere kumba now!" Akamboda kuti "aaa ambuya sorry zvenyu, tingadzokere tisina chatatenga here kana kusvika kuma shop mai Junior vanozoti kudii?" Ndakabva ndati "izvo azvichinei neni, pamanga muchirasa muswe manga muchiti ndokudii? Forget about Mai Junior but ndanga ndirikuda muzononditsvetsva pamberi pa Sabhuku wenyu kuno. Vanhu vazhinji vanofanirwa kunzwa zvekugona kuchengeta kwenyu."

Ndakaona murume akudemba demba asi ndakasimba nerokuti ndaida kudzokera kumba. Mwoyo ne sausage vakabva vapera. "Kana mukasaita u turn ndinoona yekuita kuti ndibude!" Mota yakatarira kwataive tabva ndokudzoka. "aizve vekuma shops matodzoka here?" Tete vakadaro pavakaona kuti tadzoka. Ndakatanga kufunga kuti ndovaudza here asi ndakaona kuti chimwe chokwadi chinouraisa. Just avoiding the odds was the greatest solution. Inga muimbi vakare uya akazoimba achiti 'vazviona siya zviripo, vazvinzwa usiye zvakadaro... Ukangozvitaura uchaparadza zvakawanda iwe... Ukangozvitaura uchapesanisa vakawanda...'

"Ha ndenge ndikuda k***ara tete so ndadzoka kuti ndizorore. Mangwana ndichada kufamba rwendo rurefu...." Ndakanonamata mu room yandaive ndapihwa ndichida Mwari vaite a useful solution over the matter ..

The morrow day racho, tete vakati ndaizoenda navo, nema lifts ku village kwandakanga ndabva... Takabvumirana ndokubva tapinda munzira kuenda.

Takanosvikira kumba kwa Mbuya Matema. Vakabikira mueni tichibva taudzwa mazano nezvekuita. Tapedza takazonanga kumba kwa Ephraim. Takatambirwa nepoto iri pachivanze. Takaona ndiro dziri scattered ne yard yose. Masadza kunge aive ambomwaiwa paruvanze. "Gogoi pano ndakadaidzira!" After that takazonzwa Gracious achiti aiuya...

Akabuda face ichiratidza kuzvimba. There was no doubt kuti paive pamborwiwa. "Aaa maiguru madzoka,,,mmm murume wenyu munyowana akambouya achikutsvakai kuno!"

Ndisati ndapindura tete vakabva vati, "ko zvomopedzisira nyaya dzose makamira, isu amuchatikwazisa nekutipa pekugara?" Gracious akatarisa tete kubva kuzasi kusvikira kumusoro, nokubva kumusoro kudzika kuzasi. Akabva ati iye "who are you? Unondiudzira kuti ndotambira sei vaeni pamusha pano? Murume vangu haana hanzvadzi yandingazoda kugwadamira neku huta kuti tete mauya... Ipapo ndambozama kuona kuti ungaite benefit yei kwandiri ndaishaya. Apa unenge vemashura iwe! Unogona uri muporofita, n'anga kana kasikana kane mweya wenjuzu kari kufunga kuti kangandibvisa pachigaro pamusha pano!"

Tete vakabva vati ivo, "makobvu nematete munozama mhai. Ini zvandisina kutukana nemi wani? Chenga ose manhanga apana risina mhodzi, ko kana ndiri tete venyu sezvamambotaura paya nemuti mukanwa..."

Gracious akarova kachi kwee ndokuti "hee ende makapusa fani... So Hillary ndozvavaironga kaa nevamwe vako varoyi pavakaendako..." Ndisati ndapindura ndakabva ndanzwa inzwi rambuya Matema richiti, "apana chataironga asi takuda kuzokurongera zvino... Munhu asinganyari wakaita sei mwana mudoko?"

Ndakaona sisi vave kudedera... Nechemumoyo ndaingoti 'taurai tinzwe, ndimi kaa munogona kutaura!' Sisi vakamhanya mhanya kutipa pekugara. "Zvino ndokubikireiko?"

Tete vakabva vati "iroro i statement rekunyima raunoita nevamwe vazhinji vanozviita. Ungavhunza mueni kuti ndobikei? Anoziva here zviri mumba mako?"

Ndakaona chisikana chati tuzu... Muridzi wemusha akabva asvika... "Ko i noise yei yandonzwa pano pamusha vangu? Imi mbuya imi munodei pano? Ndimi munofurira vana vatoko zvisingafanirwi kuitwa...,"

Ndakanzwa izwi ra Mai Muchapedza richiti "iwe wadii vanyarara? Kana usingadi ndivaudze kuti uri kubvepi! Baba benzi!"

Ndichiri mu confusion, tete vakabva vamhanya kuna Ephaz kunomuti mbunde vachiwira vose pasi. "Oh my brother!" Tete vakadaro ndokubva ndanzwa Ephaz achiti

"Ndibvire! Andina hama ini!"

End of 14

The story of our REDEMPTION. will be having sermons and spiritual advices. to God be the Glory

09/06/2022

https://www.facebook.com/Powertc-108615514827370/

Vahosi Chaivo Ndevapi??? 🤰🏻

Story by

POWER

0712060743

Chapter 13

"Many years ago, vabereki vangu had an argument over nhumbu yaamai iyo yakazobereka Ephraim. Baba vaifungidzira kuti amai vane chikomba nokuda kwemakuhwa aingofamba muraini. Nokudaro pakavapo nokunetsana pakati pa Baba na mhai zuva nezuva. Ini ndaive ndakuti zivei uye kuona kuchinja kwezvinhu pamusha. Baba vakanga vasisarari pamba kana zvokudya vaisatenga. Sokunge azvina kukwana, baba vakatanga gumbo mumba, gumbo panze. Pane imwe nguva amai vangu vakanditora ndokuenda neni kumba kwepfambi yababa. Vaida kuti vataurirane nayo kuitira kana aida zvemusha auye hake sa nyachide kana kusiyana nemurume wavo zvachose. Asika pfambi yavo, yakati ndogoendepi newe nhai? Ndikagara pamusha pako ndinenge ndatove mukadzi muduku pa barika. Iwe ita vahosi kumba kwako, nekwanguvo ndiri. Amai semunhu vakanga vasisina option, vakaudza hama dzavo nehama dzababa. Musangano vakaitwa, asi apana chakabuda ari makakatanwa. Amai vakawana zano rekuenda kwa Sabhuku. Baba vakanzi varipe asi apana chavakazoita nokuti vakafuma vafa. Vamwe vaiti amai ndivo vauraisa baba, vamwe vachiti mimba iyi ndiyo yaive yakonzeresa. Ne BP amai vakakasika kuenda ku labor. Vakabatwa zvekare chirwere chemoyo mazuva ivavo. Pa 7 months Ephraim akazvarwa. Se premature akambogara muchipatara naamai for two weeks. Amai avana kuita mazuva ndiye chisarai! Parufu pakatanga makakatanwa nekuramwidzana. Zvaiti vanoti mai vakauraya baba kozoita vaiti Ephraim ndiye aive honzeri yendufu dzose. Ndakatorwa nehama dza baba uye ndaigara kuparidzirwa vhangeri rokuti Ephraim ndiye aive muvengi vangu mukuru chaizvo..."

I cried upon the sad history zvokwadi. Nyika yaminama zvokuti apachina ane mwoyo wakanaka. Ndakatanga kuvhunza tete ndichiti "ko imi munoti amai venyu vari kupembera here nekusatsvaka mwana vaamai vavo here, I don't believe hangu kuti vakafa vanoziva anything but given the case yekuti amai venyu vari kuona, will she be happy?" Vakaramba vakanyarara vakanditarisa ndokubva ndati, "it's ok mhinduro ndimi munayo, ko Mwari vari kufara here nekuita kwenyu uku. Are you sure kuti, He is smiling?" Ndakabva ndati "it's alright kanganwai zvese izvozvo asi moyo wenyu unoti kudii. Mashinga here kuteedzera zvevanotaura. Moyo wenyu aushuvi kudana kuti mukoma here?"

"Mhinduro dzenyu ndogona kusanyatsoziva kuti ndedzipi asi chinzwai zvandichataura. Kuita chakanaka azvisi nyore. Kuita zvinotarisirwa neruzhinji kunoita senyore asi zvichitibanda mumoyo. Nyangwe mukazviramba, ndozviripo, yamungati hama panyika ino ndivo mukoma wenyu. Mungavimba nedzimwe hama, asi weropa ndeweropa. Yaizivei hayo mimba yakakonzera mutauro iyo. Aizivei mucheche wamusina kucheukira uyo? Amuoni here ipapo kuti makapindwa nechinoenda kuteedzera vasina mazano. Ndokumbirawo ruregerero nokuti ndakafamba kwemazuva mairi ndichiti ndiri kuenda kumuyananisi. Ndaiti ndikuenda kune ane hana inorova. Chandishamisa ndechekuti, ini nditori mudiki kwamuri. Mosara zvakanaka Tete, haikona kuzoyeuka bako maniwa."

Ndakasimuka ndichida kudzoka but tete vakandidhonza. Vakati "no maiguru musaende... Ko maivepi nguva yose iyi? Apana ane rudo akambonditsanangurira zvese izvi. Taura hako zvaunoda muroora, taura zvaunoda mukadzi vangu asi usandisiye hwee... You are a true wife, mubatanidzi vemhuri. A gem in our family!"

I frowned ndokubva ndati andisi ma germs ini. Vakaseka ndokubva vati, "ndiri kungoti uri ngoda chaiyo. Vauya nguva yakanaka yekundiratidzira chiedza. Mwari vaunonamata uyu ndinomudawo. Uri gamba chairo. Iye mukuwasha wenyu pano anombovhiringa asi ndinongozviti andina hama ndichizvipfiga mumoyo... I will help you muroora nokuti ndiwe vatondibatsira kutanga. I can see the love of my brother in your eyes, words and actions. Dzimba hadzisi mutserendende mvura yeguvi. Chakafukidza dzimba matenga, vari mudzimba umu vanombotsunyana. Gara muroora titaure, undiregererewo!"

Ndakaisa munamato nechemumoyo. Ndakati zvose zvinoitwa na Mwari kana zvinotenderwa na Mwari muupenyu hwedu, inhau yekuti Mwari vane chinangwa uye kuti vanoti simbisa. Apana problem yausingagoni kukurira mwana Va Mwari nokuti vakaiswa pachiero kuitira mangwana uzope testimony. Maiguru vakandizivisa zvishoma nezve upenyu hwavo vachiti... "Ndakagara hangu nehama dza baba vangu asi mumaziso mavo ndakanga ndiri musevenzi vavo. Kuchikoro ndaitoenda zvema nai nai ndikagumira form 6 ne 11 points dzangu apo ndaiita maths, business studies ne accounts. Ndakaita murume vekupihwa nana bamudiki nokuda kwokuti ane mari dzake. Andina decision yandaiita kana yandinoita nanhasi nokuda kwokuti ndinongoyeuchidzwa kuti takakurera. Asi neushingi hwavandiratidza uhwu, I need to lead a life of my own."

Vakandiudza kuti vakanga vaine vana vairi. Murume vavo aiita mari nokurima fodya uye mushika shika. Asi chipfambi aisamirawo. Ndakapihwa mvura yokunwa, uye kudziisirwa yekugeza. Payaidziya, ndakanzi ndinwe warm water na tete. Vakandikurungira usvusvu semunhu akanga ave ne more than a day ndisina kudya. Ndakanogeza ndokuona tea nechingwa nemazai zvabikwa. The hospitality was very good. Ameno iwe muroora vako ndizvo zvaunomuitirawo here. Kune vamwe vanotoona kana kubata muroora semunhu akamutorera murume. Chaunoitira pamuromo nemuroora chii iwe uine kwavakaroorwawo. Hauoni here kuti your role kuva her friend so that hanzvadzi yako benzi inoshaiwa mukana vekupenga. Anyway ndanyarara wana tete..

Ndakapihwa a room ndichinzi chimbozororai maiguru. Imomo ndakatsawira makumbo, kukwiziwa ne nambarakishoni uye tsunami. Ko ndakanga ndisina kuona kuti makumbo aive azvimba nenhau yekufambira nhamo dzangu. Mukuwasha akazouya hake usiku, tikazivana. Ndakadya sadza nenyama yehuku ndokubva taenda kunorara.

Kuchiedza mangwana acho ndakatoona zuva rabuda. Ndakanyara nokuita kwakadai nokuti azvidi munhukadzi ane dzinoshanda. So ndakagadzira mu room mangu ndokubva ndatanga kumu cleaner. Ndapedza ndakabuda ndokuona tete vachipedzisa kutsvaira pachivanze. Ini ndakatangawo kusuka. Vakamboda kundirambidza asi havaindigona panyaya dzakadai. Takazobatsirana rimwe basa rose ndokunochera mvura. Vakabika ndokubva tadya zvamangwanani. Zuva rakapera tichizivana uye kutaura nyaya hedu.

Mukuwasha akafona achiti aizokasika kuuya kumba nokuda kwekuti aida kuuraira ini saambuya vake mbudzi. Ndakatenda Mwari ndichiti zvaive zvatosiyana newe mukuwasha unongoti it will be fine one day usingashandi kana kuumba zano remberi....

Zvedi vakakasika kuuya, ndokutsvaka vokutema nokuvhiya. Zvakaitwa sokudaro ndokubva nyama yaiswa mudariro. Nechemumoyo ndaingoti yes my favorite type of meat after yemhembwe nhasi inondiona. Payakanga yakuibva maiguru vachiti ,"inzwa kunhuwirira maiguru!" Ini ndaitonzwa kuri kunhuwa. Payakazotanga kuda kudyiwa, ndakangogunzva nayo pamuromo ndokubva ndarutsa. Ndakazama kudya zvakare asi zvaitoita worse. Tete wakatondiudza zvakandivhundutsa jokingly vachiti

"Dzave mimba idzi!!!"

*2 free chapters left*

Uri kurida here book?

Uri kudzidza here?

Kana uchirifarira please comment...

Kana uchirida zvose nemunyori wacho please subscribe!

Thanks so much

End of 13

The story of our REDEMPTION. will be having sermons and spiritual advices. to God be the Glory

09/06/2022

https://www.facebook.com/Powertc-108615514827370/

Vahosi Chaivo Ndevapi??? 🤰🏻

Story by

POWER

0712060743

Chapter 12

Hillary

Ndakangoti nechemumoyo yedu yemisikanzwa yazotiparira. Sure without listening to my side of the story amai vangu vakanga votondisvipa. Oh no murombo haarovi chine nguvo chokwadi. I really regretted it so much since zvakatangira pakungorarwa kamwechete nemunhu asina kubvisira.

Ndakanogara hangu neche musango, thinking of what to do next. Ko ndaimbove nezano here? I actually prayed to the almighty kuti vandipe nzira. Ko pazvinorema kaa iye ndipo paanonunura. I was waiting and hoping for a miracle.

Kunze kwati zvii ndakanzwa kuti chwaka chwaka musango mandaive. Hana yakatanga kurova. Ko ndaimbove ndazvifunga here kuti pandaive was not a safe place. Ndakatarisa tarisa ndokuona two ma lights coming towards me... Nechemumoyo ndakangoti kana dzisiri ngirozi then ndozvipoko zvinorehwa. "Mwari ndinoisa upenyu hwangu mumaoko enyu" ndiwo munamato vandakaita.

"Thank God takuwana.. Sister you will never change. Pese pauri in trouble or pavatsamwa unouya pano.." Ndi Hillary akadaro... Ndakabva ndati "and you always know where to find me." Mukoma Jeffrey vakabva vati "tanga wadya tozotaura zvimwe." Ndakabvuta lunch box yakanga iri mumaoko avo ndokubva ndatanga kukambura, sadza ne beans zvaivemo. Ndapedza ndakadutira mvura ndokubva ndanzwa parere moyo. "Maswera sei mukoma!" Ndakazodaro ndaguta. Hellen na mukoma Jeff ndokutanga kuseka.

"Shaa situation aina kumira mushe kumba uku. Tiudze chii chakaitika? Ma pics nenyaya ya Gracious ndezve chokwadi here? I mean tiudze chokwadi because we all know character ya Gracious..."

Ndakavatsanangurira, zvose zvaive zvaitika. "tauya hedu ne blanket, zvino unorara pai... Come we will sneak you into the house!" Ndakaramba zvaitaurwa na mukoma Jeff. Munhu pausina kutambirwa auna, forcing your way in is not the solution.

Chandakafarira apa ndechekuti my siblings loved me. Tell me uchiri kuwirirana nemwana waamai vako here iwe? Handirevi mutorwa but wanyakutumbura. Mukoma vangu nemunin'ina wangu vakandibatsira ko iwe ku family kwako une use yei. Ndatofunga ini hangu Hillary kuti pada wakasotadzirwa kare or murume wako kana mukadzi vako anotadzisa kuti uwirirane nevana vaamai vako and vice versa is true. Ummm utye Mwari iwe ndanyarara hangu...

"Guys ndatogaya, zvedi andingarare panze. Pane kwandoda kunorara like now..." Vakamboda kuvhunza kuti ndekupi but I didn't tell them. Takanamata pamwechete, ndokubva taparadzana. Ndakatakura gumbeze rangu ndokubva ndapinda munzira. Ivo vakadzokerawo kumba.

Ndaive ndananga kwa mbuya Matema... Muroyi ndiyeka anogona kurera nekuchengeta. So I prayed ndokupinda munzira. "Go go go i mbuya!" Ndakadaro ndasvika pamba pavo. "Ndianiko anouya pamba pe chembere usiku huno?" Mbuya Matema vakadaira ini ndokuti "ndini mwana va Garikai mbuya, ndotsvaka pekurara, ndi Hillary..."

Vakabuda vachipopota ndokuti "iwe uchanetsa iwe. Vatouya zvedi, ndo hope dzandakakurotera zuro." Ndakabva ndati "ndogodiiko nhai, mukutambura kwese uku? Ini andina chandakatadzira munhu so ndoda mundiyamurewo!" Vakabva vati "ichokwadi hauna wavakatadzira zvedi. Ini ndakangovengawo mhuri yekwenyu but iwe auna kana prebremii.. zvino wanga wadya here?" Ndakavaudza kuti ndakanga ndatoguta.

Ndakaratidzwa pekurara ndichibva ndadzipfodora hangu. "Yuwi yuwi yuwi mwana va Garikai zvowotorara kunge vakapedza nhamo dzose! Kwachena Kani.. ini ndakatoenda kunovhima madeko asi ndakatogwinya rungwanani runo. Kwete iwe mwana vazuro uno unorara kudaro?" Ndakangoseka ndokubva ndanovacherera mvura yekunwa nekugeza. Ndakabudisa hembe dzavo dzose dzaive dzakasvipa ndokubva ndazviwacha. Ndaka cleaner dzimba dzavo zviya zvokuita thorough cleaning. Ndakasuka ndiro dzose nemazvo. Kusakura pachivanze nekutsvaira. Ndakazogeza nguva dzafamba. "Nhaiwe Hirari hausati wadya nanhasi here? Ko uri kuzvifambisa sei? Vaita basa kwazvo asi usazviuraya nenzara."

Vakatsunhura dhuku ravo kubva mumusoro. Vakatsunhura zvakare pfundo rakanga riripo. Ndokutora Mari yekuti ndinotenga chingwa. Ndakamhanya kunotenga chingwa ndokudzoka tichibva tadya.

Ndakazoudza mbuya Matema dambudziko rangu ndichida kuti, vandipe advice sa vhudzijena. "Ini ndinoti muzukuru, nyaya yako iyi inoda kusimba... Simba papfungwa, pahana nepakuona. Kana Efii asiri kukutora kumba kwake uye vabereki vako vasiri kutaura neve, chimbozama hama dza Ephy pamwe dzinga kutambira."

Ndakavati "inogona kuve pfungwa yakanaka asi ichirwadzira pekuti andina kana hama yake yandinoziva." Mbuya ndokubva vanditi "haikona mhani kutaura sechana chitoko, vatove mukadzi mukuru. Tsvaka vanhu ivavo, ndivo tariro yako yekugara nemurume zvakanaka."

Ndakadzamisa pfungwa dzangu ndokubva ndaenda kwamai Muchapedza. Amai veguhwa ava was my hope for me to know more about my husband. "Eeede ummm nhai unoto shanyawo nhai mwana? Kwaitikeiko nhai mwana va Garikai?" Ndakapfugama pamberi pavo ndokubva ndati "ndauya kuti mundibatsirewo panyaya yangu... Ndotoda kuti imi muise moyo wenyu pazviri." Vakabva vati ivo "ende une zvivindi nhando chii chaita ufunge kuti ndichakubatsira?" Ndakabva ndati "nokuti muri amai and amai avasiye mwana achitambura "....

Vakagutsurira musoro ndokubva ndavaudza nyaya yangu yose nemamiriro ayo. Ndaida kutsvaka hama dza Ephy. Vakandiudza kuti pane hanzvadzi yake yaigara ku village riri kure. Vakandiudza vachiti ivo....

Ephaz aive akachengetwa naambuya vake vakazoshaya. Mai vake vakanga vakafa pavakamuzvara uye ndiye aive gotwe. Hanzvadzi yake yaive yakachengetwa na bamukuru ndokubva azoroorwa asi mwana waamai vake akanga asina basa naye. Iye Ephaz pachake aisaziva kuti ndine hanzvadzi.

Hama dzekwa baba adzina kuda kuchengeta Ephraim uye hama dzekwa amai vake dzakaramwa kuchengeta vabereki vavo nokuda kwa Ephraim. Ndakatenda Mai Muchapedza ne information yaive yakakosha kudaro.

I prepared for the journey yekunoona hanzvadzi ya Ephraim. Mbuya Matema vaingondisimbisa. Rwendo rwacho rwakanditorera 2 days ndichirara munzira.

Pandakasvika pamba pemunhu vandaive ndaudzwa, ndakamuziva ndoga nokuda kwekufanana kwake na Ephaz. I introduced myself kwavari but vasati vataura zvakawanda vakanditi "kwakanaka here?"

Ndakavapira nyaya yangu yose nezvayaiva. Vakabva vanditi ivo, "haa ini ndinei zvangu nekunetsana kwenyu nemurume wenyu. Vanhu vakawanda think that ndine utsinye kusataura kana kubatsira hanzvadzi yangu but ndiye honzeri yekufa kwevabereki vedu!"

Ndakabva ndavati "tell me how tete?" Vakati "I will tell you but don't you dare call me tete!"

Thanks for your support guys

Comments please

End of 12

The story of our REDEMPTION. will be having sermons and spiritual advices. to God be the Glory

Address

Rusape

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Powertc posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Practice

Send a message to Powertc:

Share