09/06/2022
https://www.facebook.com/Powertc-108615514827370/
Vahosi Chaivo Ndevapi??? 🤰🏻
Story by
POWER
0712060743
Chapter 13
"Many years ago, vabereki vangu had an argument over nhumbu yaamai iyo yakazobereka Ephraim. Baba vaifungidzira kuti amai vane chikomba nokuda kwemakuhwa aingofamba muraini. Nokudaro pakavapo nokunetsana pakati pa Baba na mhai zuva nezuva. Ini ndaive ndakuti zivei uye kuona kuchinja kwezvinhu pamusha. Baba vakanga vasisarari pamba kana zvokudya vaisatenga. Sokunge azvina kukwana, baba vakatanga gumbo mumba, gumbo panze. Pane imwe nguva amai vangu vakanditora ndokuenda neni kumba kwepfambi yababa. Vaida kuti vataurirane nayo kuitira kana aida zvemusha auye hake sa nyachide kana kusiyana nemurume wavo zvachose. Asika pfambi yavo, yakati ndogoendepi newe nhai? Ndikagara pamusha pako ndinenge ndatove mukadzi muduku pa barika. Iwe ita vahosi kumba kwako, nekwanguvo ndiri. Amai semunhu vakanga vasisina option, vakaudza hama dzavo nehama dzababa. Musangano vakaitwa, asi apana chakabuda ari makakatanwa. Amai vakawana zano rekuenda kwa Sabhuku. Baba vakanzi varipe asi apana chavakazoita nokuti vakafuma vafa. Vamwe vaiti amai ndivo vauraisa baba, vamwe vachiti mimba iyi ndiyo yaive yakonzeresa. Ne BP amai vakakasika kuenda ku labor. Vakabatwa zvekare chirwere chemoyo mazuva ivavo. Pa 7 months Ephraim akazvarwa. Se premature akambogara muchipatara naamai for two weeks. Amai avana kuita mazuva ndiye chisarai! Parufu pakatanga makakatanwa nekuramwidzana. Zvaiti vanoti mai vakauraya baba kozoita vaiti Ephraim ndiye aive honzeri yendufu dzose. Ndakatorwa nehama dza baba uye ndaigara kuparidzirwa vhangeri rokuti Ephraim ndiye aive muvengi vangu mukuru chaizvo..."
I cried upon the sad history zvokwadi. Nyika yaminama zvokuti apachina ane mwoyo wakanaka. Ndakatanga kuvhunza tete ndichiti "ko imi munoti amai venyu vari kupembera here nekusatsvaka mwana vaamai vavo here, I don't believe hangu kuti vakafa vanoziva anything but given the case yekuti amai venyu vari kuona, will she be happy?" Vakaramba vakanyarara vakanditarisa ndokubva ndati, "it's ok mhinduro ndimi munayo, ko Mwari vari kufara here nekuita kwenyu uku. Are you sure kuti, He is smiling?" Ndakabva ndati "it's alright kanganwai zvese izvozvo asi moyo wenyu unoti kudii. Mashinga here kuteedzera zvevanotaura. Moyo wenyu aushuvi kudana kuti mukoma here?"
"Mhinduro dzenyu ndogona kusanyatsoziva kuti ndedzipi asi chinzwai zvandichataura. Kuita chakanaka azvisi nyore. Kuita zvinotarisirwa neruzhinji kunoita senyore asi zvichitibanda mumoyo. Nyangwe mukazviramba, ndozviripo, yamungati hama panyika ino ndivo mukoma wenyu. Mungavimba nedzimwe hama, asi weropa ndeweropa. Yaizivei hayo mimba yakakonzera mutauro iyo. Aizivei mucheche wamusina kucheukira uyo? Amuoni here ipapo kuti makapindwa nechinoenda kuteedzera vasina mazano. Ndokumbirawo ruregerero nokuti ndakafamba kwemazuva mairi ndichiti ndiri kuenda kumuyananisi. Ndaiti ndikuenda kune ane hana inorova. Chandishamisa ndechekuti, ini nditori mudiki kwamuri. Mosara zvakanaka Tete, haikona kuzoyeuka bako maniwa."
Ndakasimuka ndichida kudzoka but tete vakandidhonza. Vakati "no maiguru musaende... Ko maivepi nguva yose iyi? Apana ane rudo akambonditsanangurira zvese izvi. Taura hako zvaunoda muroora, taura zvaunoda mukadzi vangu asi usandisiye hwee... You are a true wife, mubatanidzi vemhuri. A gem in our family!"
I frowned ndokubva ndati andisi ma germs ini. Vakaseka ndokubva vati, "ndiri kungoti uri ngoda chaiyo. Vauya nguva yakanaka yekundiratidzira chiedza. Mwari vaunonamata uyu ndinomudawo. Uri gamba chairo. Iye mukuwasha wenyu pano anombovhiringa asi ndinongozviti andina hama ndichizvipfiga mumoyo... I will help you muroora nokuti ndiwe vatondibatsira kutanga. I can see the love of my brother in your eyes, words and actions. Dzimba hadzisi mutserendende mvura yeguvi. Chakafukidza dzimba matenga, vari mudzimba umu vanombotsunyana. Gara muroora titaure, undiregererewo!"
Ndakaisa munamato nechemumoyo. Ndakati zvose zvinoitwa na Mwari kana zvinotenderwa na Mwari muupenyu hwedu, inhau yekuti Mwari vane chinangwa uye kuti vanoti simbisa. Apana problem yausingagoni kukurira mwana Va Mwari nokuti vakaiswa pachiero kuitira mangwana uzope testimony. Maiguru vakandizivisa zvishoma nezve upenyu hwavo vachiti... "Ndakagara hangu nehama dza baba vangu asi mumaziso mavo ndakanga ndiri musevenzi vavo. Kuchikoro ndaitoenda zvema nai nai ndikagumira form 6 ne 11 points dzangu apo ndaiita maths, business studies ne accounts. Ndakaita murume vekupihwa nana bamudiki nokuda kwokuti ane mari dzake. Andina decision yandaiita kana yandinoita nanhasi nokuda kwokuti ndinongoyeuchidzwa kuti takakurera. Asi neushingi hwavandiratidza uhwu, I need to lead a life of my own."
Vakandiudza kuti vakanga vaine vana vairi. Murume vavo aiita mari nokurima fodya uye mushika shika. Asi chipfambi aisamirawo. Ndakapihwa mvura yokunwa, uye kudziisirwa yekugeza. Payaidziya, ndakanzi ndinwe warm water na tete. Vakandikurungira usvusvu semunhu akanga ave ne more than a day ndisina kudya. Ndakanogeza ndokuona tea nechingwa nemazai zvabikwa. The hospitality was very good. Ameno iwe muroora vako ndizvo zvaunomuitirawo here. Kune vamwe vanotoona kana kubata muroora semunhu akamutorera murume. Chaunoitira pamuromo nemuroora chii iwe uine kwavakaroorwawo. Hauoni here kuti your role kuva her friend so that hanzvadzi yako benzi inoshaiwa mukana vekupenga. Anyway ndanyarara wana tete..
Ndakapihwa a room ndichinzi chimbozororai maiguru. Imomo ndakatsawira makumbo, kukwiziwa ne nambarakishoni uye tsunami. Ko ndakanga ndisina kuona kuti makumbo aive azvimba nenhau yekufambira nhamo dzangu. Mukuwasha akazouya hake usiku, tikazivana. Ndakadya sadza nenyama yehuku ndokubva taenda kunorara.
Kuchiedza mangwana acho ndakatoona zuva rabuda. Ndakanyara nokuita kwakadai nokuti azvidi munhukadzi ane dzinoshanda. So ndakagadzira mu room mangu ndokubva ndatanga kumu cleaner. Ndapedza ndakabuda ndokuona tete vachipedzisa kutsvaira pachivanze. Ini ndakatangawo kusuka. Vakamboda kundirambidza asi havaindigona panyaya dzakadai. Takazobatsirana rimwe basa rose ndokunochera mvura. Vakabika ndokubva tadya zvamangwanani. Zuva rakapera tichizivana uye kutaura nyaya hedu.
Mukuwasha akafona achiti aizokasika kuuya kumba nokuda kwekuti aida kuuraira ini saambuya vake mbudzi. Ndakatenda Mwari ndichiti zvaive zvatosiyana newe mukuwasha unongoti it will be fine one day usingashandi kana kuumba zano remberi....
Zvedi vakakasika kuuya, ndokutsvaka vokutema nokuvhiya. Zvakaitwa sokudaro ndokubva nyama yaiswa mudariro. Nechemumoyo ndaingoti yes my favorite type of meat after yemhembwe nhasi inondiona. Payakanga yakuibva maiguru vachiti ,"inzwa kunhuwirira maiguru!" Ini ndaitonzwa kuri kunhuwa. Payakazotanga kuda kudyiwa, ndakangogunzva nayo pamuromo ndokubva ndarutsa. Ndakazama kudya zvakare asi zvaitoita worse. Tete wakatondiudza zvakandivhundutsa jokingly vachiti
"Dzave mimba idzi!!!"
*2 free chapters left*
Uri kurida here book?
Uri kudzidza here?
Kana uchirifarira please comment...
Kana uchirida zvose nemunyori wacho please subscribe!
Thanks so much
End of 13
The story of our REDEMPTION. will be having sermons and spiritual advices. to God be the Glory