07/04/2025
*NHUTA/CANCER YEMU CHIBEREKO*
Cancer yechibereko ino tanga pamuromo wechibereko panonzi (cervix) muchirungu. So kana yatozopinda muchibereko inenge yatotangira pamuromo. Saka tichiti mukadzi wese ngaanotariswa muromo wechibereko.
*Ndirikuda kukudzidzisai matangiro ainoita uye ndinoda kuti munzwisise mafambiro azvo.*
Right, cancer yemuromo wechibereko ino tanga iri chirwere chepabonde kureva kuti hapana anozvarwa nayo. Inotobva pa virus inonzi *Human Papilloma virus(HPV).* Virus iyi ndiyo zve inokonzera mhopo kunhengo dzakavanzika anonzi ma Ge***al Warts. Vamwe vakadzi vanotoenda ku clinic vachiti ndine masari kureva ma ge***al warts iwayo. Ma ge***al Warts anoita panhengo, paburi, kana kunobuda tsvina uko.
Back to nyaya ye cancer.
Zvinoitika ndezve kuti mukadzi akasangana ne murume pabonde ane (HPV) human papilloma virus, anoisiya virus iye pamuromo wechibereko. Nekuda kwekuti muromo wechibereko unodziya uye pakanyorovera. Virus iye inokandira mazai ayo ipapo. Mazai aye anogara pamuromo wechibereko achikura mbichana mbichana anogona kutora kana 1 year kana ku tosvika 10 years achingokura ozotsotsonya. Kana atsotsonya ndoyava cancer.
So kana tichiti mukadzi aiitwe VIAC tinenge tichitarisa kuti hamuna here mazai anokonzera cancer. Nekuti mazai aya hapana anoziva kuti uchagara nguva yakaita sei asati achochonya kuita cancer. So PAVIAC tirikutsvaga kuti mazai aya aripo here pamuromo wechibereko. Kana aripo ndipo pavanoparadzwa kuti afe or kudestroyiwa kuti afe saka haazochochonyi nekuti anenge aparadzwa. Anodestroyewa ne inonzi
CRYOTHERAPY kana kuti LEEP. zvichienderana kuti akawanda sei. Uye aka cover nzvimbo yakadii yemuromo wechibereko.
Izvezvi ndicha explainer chinokonzera kuti mazai aye akurumbidze kuchochonya kana kuti chinoita kuti mukana we kuita cancer uwande.
1️⃣ *HIV POSITIVE*, kana mukadzi ari HIV positive ma chances ekuita cancer akanyanya Nekuda kwekuti masoja emuviri akamborwiswa neHIV saka ukaita HPV mazai aye anogona kukurumbidza kuchochonya kuti aite cancer saka mukadzi ari HIV positive ngaatariswe muromo wechibereko(VIAC) every year ari HIV negative after 2 to 3 years.
2️⃣ *MULTIPLE SEXUAL PARTNERS*, mukadzi ane vanhu vakawanda vaarikusangana navo pabonde ane mukana wakanyanya we kuita cancer yemuromo wechibereko, kana kuti mukadzi ane partner one asi partner iine vanhu hobho vairi kusangana navo kureva kuti Ana baba vane basa mukudzivirira Cancer
3️⃣.Musikana anotanga bonde arimudiki ane mukana mukuru we kuita cancer nekuti nyama dzinenge dziri nhete saka HPV hainetseki kupinda.
4️⃣.Vanoputa fodya
5️⃣.Vasingashandise ma condom pabonde.
6️⃣. Kuisa sipo kana mishonga ine ma chemicals kuzasi like pakuvhura masuwo kumudzimai ane pamuwiri.
7️⃣.Kusarapwa zvirwere zve pabonde
Saka ngatibatsirike Madzimai. Then kuti uziwe kuti une mazai aya, kazhinji haumbofe wakaziva kuti une mazai aya kunze kwekuti waitwa VIAC. Asi vakadzi vakawanda vanotozoita ma symptoms yatova cancer and Cancer hairapike nyore.
*Mamwe ema signs eCancer yechibereko ndiwo anotevera 👇🏼.*
1-Kubuda discharge inonhuwa nyangwe ukarapwa.
2 -Discharge ye brown, green or ropa chairo.
3 -Pain after s*x
4-Kurwadziwa pasi peguvhu
5-Dzimwe nguva musana zvichibatana negumbo.
Saka VIAC inobatsira kuti mazai anokonzera cancer asa developer kuita cancer. Asi chinorwadza ndechekuti vakadzi vakawanda vanozoenda KUVIAC munhu atova ne cancer.
Maresults a unogona kuwana kana waitwa VIAC ndeaya:-
*POSITIVE*
Kureva kuti wawanika uine mazai anokonzera cancer, aya mazai haisi Cancer pabatisisei ipapo ndati mazai aya Anodestroyewa.
*NEGATIVE*
Kureva kuti hauna kuwanikwa uine mazai anokonzera cancer.
Kana kuti unonzi
SUSPICIOUS OF CANCER,
apa unenge wakufungidzirwa kuti une cancer asi unozoitwa mamwe ma test kuti vaconfirme kuti i cancer here.