21/08/2021
I MISS YOU EVERYDAY
“Babe,its over between us.Iam moving out”,Those were my husband’s last words as he walked towards the door.To me it came as a shock ko ainge achangamusawo Tino wangu ndianiko??.Ko ndaive ndajaira kuita madiro naye achindigwadamira chero nepandaikundikana zvangu.Ndakaramba ndakaringa nepamusuwo paainge abuda napo ndichiti pamwe ndichaona achibudikira kudzoka kuti ndinotamba mukadzi wangu.
Masanganiro edu naTinotenda Mupfudze kwaitove kumagirosa ndaenda zvangu kunotenga chingwa.Ini ndaidzidzisa imo munharaunda iyoyo.Kungondiona kwaakaita ndakaona kuti shasha yadyira kare iyi.Handina zvangu kusimba.Ndiri uno musikana murefu,mutete anofarira zvekutamba nemvura.Chimiro changu vanoona vanototi ndiri a model.Jaya rakakwenya musoro rakandiyeva wanike ini kana kufamba ndaive ndonzwa tsoka dzichirema zvandainzwa maziso ari pandiri.Tino akafamba achiuya pandiri ndokunditaudza ko ini ndainge ndatopenyererwawo ka.Aive uno mukomana akati simbei kwete zvakanyanya ari mutema.Akasvikobata ruoko rwangu zvine kakunakidzira achindikwazisa.Takaudzana mazita edu ndiko kwakave kutanga kwedu kudanana naTino wangu uyu.Zita rangu ndinonzi Miranda Sibanda asi vazhinji vanonditi Mimi.
Hie ladies this story is based on real life experience felt like sharing it in chapters. If you find sm1 who rily loves u with all his heart neva take such a person for granted.
Rudo rwedu naTino rwakange rwopfuta chaiko.Chero nendumurwa zvayo wainzwa ichiimba mazita edu.Pabasa pangu pandaidzidzisa vaive vakutoziva kuti pandinochaisira Tino anobva atobudikira kuuya kuzonditora. Tinotenda aive akakurira mumhuri iri nane chose nekuti vese vaifamba nedzimota asiwo iye aive achiri paMidlands State University(MSU) achiita hake degree rake.Kwandiri hazvina kuchinja rudo rwangu paari despite the fact that I was a working class.Munongoziva panoitwa chakanaka vavengi nevadzivisi ndipo pavanenge vachida ipapo kuti zvako zvikone vawane kuseka.Pabasa pangu vakatanga kuseka kuti ko iye mudzidzisi anogo