24/09/2025
Dzimwe nguva vabereki tisu tono konzera kuti vana vasarudze kana kuti vavenge baba sei ndadaro
Amai mwana paanodzingwa chikoro anouya kwamuri oti kuchikoro kodiwa mari momupa odzokera anouya oti ane nzara momotora momupa chikafu anoda hembe dzekupfeka motenga ndimi amo
Vana pavanokura vanoti mai vedu vaiva nerudo dai pasina mai takafa nhasi ndouya ndoti ndimi ana mai makonzera dambudziko iri ndosaka vana kana vachitumira mari vanotumira nezita ramai kana vachitenge zvekupfeka mai ndovanotengerwa zvaka naka baba votengerwa zvekufudzisa mombe nokuti vanoti mai ndovo vakamira nesu
Amai nhasi unganidzai vana muvaudze chokwadi kuti pamaida mari yechikoro ndainoudza baba venyu pamaiva nenzara ndaipiwa mari yekutenga chikafu nababa venhu pamaida zvekupfeka ndaipiwa mari ndono kutengerai vana vakumbire ruregerero kuna baba vavo vari vapenyu zvimwe zvamopumha varoyi hapana muroyi kugunun'una kwababa venyu ndokwasunga basa kwasunga mbereko kwasunga imba pfuma yaramba kubata nekuda kwehutsinye wawuri kuita kuna baba vako unotora amai kuti vauye kumba kwako baba vachinzi sarai nemadhongi nehuku kumusha mubereki ndiye ane munamato wako mukuru