Madzibaba Nicky tawanda Chingwaro

Madzibaba Nicky tawanda Chingwaro GURU
wakavadana vano daira

01/09/2025
23/04/2025

Kwaziwai hama nguva yanga yareba

Ramba hupenyu unenge wemu African movie hupenyu wekuti movie rotanga munhu achitambura anoramba achitambura rakunopera anoenda ku dhorobha oita mari robva rapera movie usin kuuona kushanda kwayo ramba hupenyu uyu mhani mwari wandonamata ndasadaro

Inzwa hama tine vanhu vekuti anotambura nguva refu kushaya basa mari kufudziswa mombe kuitiswa maricho zuva raanoti zvake zvaitawo vanhu munongonzwa kuti akaita mari akazodii akafa nemoter yaakabva kunotenga kufa wabata mari ndakadii ndakafa ndisati ndaibata kuita hupenyu wemumovie chaiwo

Tine vanhu vekuti ainzi haarorwe haaite imba haaite mwana achambera achadiwa nani pasisina tariro nhasi arangarirwa zuva remuchato unongonzwa kuti adonha zuva rekubatsirwa mwana nonzwa kuti iye afa zuva rekubvisirwa tunyaya towanda anoda kubvisirwa sei mai vake vasina kusvika mukwasha adzokera sei nyaya dzotanga panewe sei zvichidai ramba mhani kuitiswa nasatani

Sei nyaya dzichirongwa kana zvaita kwauri vanotanga vekwako kuti musatambire mari akaromba ndaanoripa zvakaparwa kwaaka berekwa nhau dzose dzouya kana zvako zvaita sei ndongoti ramba mweya wekusabata zvoenda mberi iwe wabva kure uchizvida AMEN 🙏 🙏

Makadi hama dzadiwaSei mukadzi kana wada murume wemunhu unoratidza kunzwisisa kuremekedza mudzimai wemurume iyeye. Vana ...
26/02/2025

Makadi hama dzadiwa

Sei mukadzi kana wada murume wemunhu unoratidza kunzwisisa kuremekedza mudzimai wemurume iyeye. Vana vacho wakasangana navo kuvabata bata kuvapa tuma sweet kuvaratidza kuvada

Unovimbisa kusavatuka kusadaira kuvaremekedza handei wazongodzi warorwa unotanga kuvavenga kutonga murume uye kumuudza mashoko ekuti avenge mhuri yake .vana vaienda chikoro chaka naka vanopedzira vakusaendako vakudzorwa kuchikoro vakuita chukafu chekutamburira vaisatengesa pamusika mai nevana vanopedzisira vakuenda kunotsvaga madomasi mabanana zvekutengesa mhuri yakutambura

Zvondinetsa murume anenge akutorambidzwa kuenda kumba kwake akutongwa nguva dzekusvika pamba sei zvichidaro

hama dzinokuda nguva ipiWakambozvitarisa hre kuti pakanzi kwarwariwa zvekuti vanhu vamirira nguva vanoti ndati muendesei...
14/02/2025

hama dzinokuda nguva ipi

Wakambozvitarisa hre kuti pakanzi kwarwariwa zvekuti vanhu vamirira nguva vanoti ndati muendesei kwanhingi munhu akafa asina mari anga asina pake pekugara anonzi ndatimuchemerei kwanhingi. Ndaavigwe ikoko haaendeswe kwaka vigwa vamwe munhu anotambura akafirwa anonzi ndaaendeswe kumba kwana nhingi

Wakaona wadanwa kumba kwavo pane zvavari kuda kukusenzesa
Wakaona uchinzi tokutumiraika mari yekuti muende kurufu kana kunochengeta murwere ziva pana mari yaanayo munhu wacho wakaona zvichinzi imi namai venyu zvionerei makura harisi rudo vanoziva muna mari saka vakada kuuya pamuri vanofunga movakumbira mari

Nhasi ndoda uziva kusatorwa nehama kna kusabatwa mushe kusadiwa kushandiswa voita sevaka kuvengai zvose izvozvo ndoda muzive kuti mwari ane chinangwa nemi pane nguva yekuti munhu akakuendesa chikoro anorwadziwa nekukuona uchibatsira vabereki vako munhu akakubatsira anogona kuti dai pasina ini zvichaita kuti ufunge kuti dai ndisina kubatsirwa nemunhu saka mwari akaziva kuti akuda kuzoratidza nyika hukuru hwake anobvisa vose hama shamwari wosara woga nemhuri yako ziva kuti pane zvikugadzirwa namwari Jona dai akatakurwa nechikepe. Kunosiwa kwaaka tumwa namwari hukuru hwake Mwari waisaoneka. Dai varume vaiva muchikepe vakati ndatimuendesei kwaatumwa vaiti dai pasina isu saka kukandwa mumvura kwajona kwaisava nebasa basa raiva pakuti vanhu vaone hukuru hwamwari tarisa kushamisa kwazvo jona haana kubatsirwa nemunhu akabatsirwa nehove asi vanhu ndovakamukanda mumvura vakadi kufa ivo kuti shoko ramwari riende mberi munhu haango simidzira munhu chete vasi vose asi vakasarudza kuuraya jona vaisava pakumukanda kuti ararame asi afe. Nhasi murirudzi randoisa kuna jona musachive pavaka kukandai kure navo vachaona mamhiri musina fundo kana mari asi namwari amai nyararai vana vangava vanoshoreka muchadya rora muchadya makagara muchabata vazukuru vevazukuru ivo vapfumi vachifa saka zvimwe hurombo wenyu ndiMwari ndosaka muri mupenyu nhasi. 🙏 Amen

Makasimba hre hama Tine nguva yatinoona kunge vanoenda kuchurch ndovatsvene ndovachaenda kudenga tinoshora vanonwa hwahw...
31/01/2025

Makasimba hre hama

Tine nguva yatinoona kunge vanoenda kuchurch ndovatsvene ndovachaenda kudenga tinoshora vanonwa hwahwa zvifeve kutuka vanhu vasinga ende kuchurch tinozviisa pamwe pekuti totoita sendisu tine masimba ekuzopinza vanhu denga

Ndoda uzive kuti mwari ndewemunhu wese mwana wechifeve akatopasa chikoro akatopedza akanzwirwa nyasha akachengeta mubereki vaka iwe mufundisi akatozove chidhwakwa chichagara chichikurova kukubira usashore vanhu nekuda kwezvawaona tanga wagara pasi wonzwa mativi ose hazvisi zvose zvatoona nemeso zvatofanira kushora zvimwe dzidza kubva pazviri zvichakupa chapupu chekuzotaura hukuru hwamwari

Wakamboona kwaka fiwa vafundisi vaporofita motsvaga kuti pane moter here yekuenda nayo kuma kuva koo takadzoka tikudya chii honai mafundisi haadye mupoto yabikirwa vanhu vose munozvisarudza tarisa zvidhakwa zviti nokuti ndini ndatenga saka handimwire muchigubhu chimwechete nemi vanoputa mudzanga mumwe vachichinjana asi vatendi hatizvigone kuma kuva chaiko hamuchere hamufushire munenge makango bata ma Bible hosho hwamanda kuzvizunza huruva kuda kutaura chete tendeukai pamabasa enyu vatendi

Gore rino ratiri ndoda uchenjere typ yevamwe vanhu vachava pedyo newe ziva kuti jesu vakatengeswa nemunhu aiva pedyo nay...
28/01/2025

Gore rino ratiri ndoda uchenjere typ yevamwe vanhu vachava pedyo newe ziva kuti jesu vakatengeswa nemunhu aiva pedyo naye nekutsvodwa chete saka chenje kuti kuchauya vanhu vachakupa zvinhu kana kuita sevanoda kukubatsira asi vachitsvaga kuda kusvika pauri kuti vazive nezvehupenyu hwako havasi vose vanokuda vamwe vaka kutadza mugore ra2024 vaka zama kuda kukudonhedza pabasa rako vamwe wakavapa mari kuti vabatsiriki vakatora mari vakaipukutisa dikita kuti mari yako isabatike uve wekudikitira mari isinga wanike upotsane nemari saka gore rino vachatsvaga kuda kuziva kuti wakapona sei vachauya sevanokuda saka ziva zvakaita vanhu vauno wadzana navo vanhu vakaipisisa ndovari pedyo pedyo newe muvengi wako asingakude asinga tsvage nezvako asi akango kuvenga chete arinani pane uyo anonyepera kukuda asi akakuvenga ndiye anoziva kafambiro kako chenjera

21/01/2025

Tomboti mukadzi ndiye anoenda kubasa murume haasi kuenda basa anoswera pamba haasati awana basa anobika ndiani

Happy birthday jrn ndonzwa kufara kuva nemunin'ina anenge iwe kukura kwedu paiva pasina kudhererana kana kushorana vaion...
19/01/2025

Happy birthday jrn ndonzwa kufara kuva nemunin'ina anenge iwe kukura kwedu paiva pasina kudhererana kana kushorana vaiona vaiti matwn nekuda kwekuwirirana chikudo kana kurovana kwakanga kusina mumoyo medu kwaiva kufara pakanzi nababa namai ini ndonzi tawanda iwe Talent zvakazanzisa rwendo redu nezvatiri komborerwa iva nenguva yaka naka nemhuri ndoshuwira maropafadzo muhupenyu wako Bro

niky T

Zimloan USD LoanDear Friend, you’ve been referred by EDWICK PERETUAL to contact ZimLoan for an online loan.*Fully regist...
14/01/2025

Zimloan USD Loan

Dear Friend, you’ve been referred by EDWICK PERETUAL to contact ZimLoan for an online loan.
*Fully registered microfinance institution
*No paperwork and 7*24h online
*Apply 100% via mobile
*Receive mobile money instantly within 5 minutes

Follow the link to start your application now!

Zimloan is a simple, fast, entirely online lending platform that provides salary advance loans in Zimbabwe.

Address

Raffingora/Kamwaza
Zvimba

Telephone

+263738090793

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Madzibaba Nicky tawanda Chingwaro posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Practice

Send a message to Madzibaba Nicky tawanda Chingwaro:

Share

Share on Facebook Share on Twitter Share on LinkedIn
Share on Pinterest Share on Reddit Share via Email
Share on WhatsApp Share on Instagram Share on Telegram